Ichokwadi ichokwadi mhuri yeZimbabwe ndiri mukati mekufamba mumativi mana enyika , Paka-paka Chegutu Nyabhangwe.Chegutu kune mhuri yakaita kaungano ichironga zvemarooro aida kuitwa , mukwasha ainge atopa date , apa ungano yanga iri yekutaura kuti marooro achafambiswa sei.Inzwai Zimbabwe mwanasikana aida kuroorwa ane 16 years.Vehukama vari paungano kudaro kwakabva kwaita umwe murume, hama yakapikisa kuroorwa kwemwana uyu ichiti "mwana mudiki uyu ko iye mukwasha haagone kumirira mukadzi wake akure here nekuti izvi zvichida iye asungwe nesu tichatambira mari tinosungwa zvakare kuti taroodza mwana mudiki".Vabereki vemwana nevamwe vehukama vakaona kunge hama yataura izvi nekuda kwegodo kuti mwana akuroorwa, zvekuti havana kuvirirana nezvaitaurwa nemurume uyu.Kubva zvaitwa ungano hapana kupera mazuva akawanda musikana uya aida kuroorwa achibva arohwa nezvinhu muromo ndokuenda padivi.Arohwa nezvinhu kudaro aingotaura zvinhu zvakawanda wanda , zviya zvekurotomoka achitaura mazita evanhu vakafa kudhara.Aitotaura kuti ari kuona vanhu vakafa kudhara , vamwe vacho vakafa asati atombozvarwa asi aivadeedza nemazita.Zimbabwe musikana airwara uyu aisagara nevabereki wake , aigara nambuya wake vane 97 years aigara achivachengeta sezvo ava munhu asisakwanise kuita zvakawanda , mbuya vacho havaone.Mbuya wandiri kutaura ava ndimai vababa.Nekuda kwezvairongwa izvi , mbuya vainge varipovo pamusha , vakauya pakauya mwanasikana.Kurwara kwaiita musikana vanhu vaifungira murume uya wekumboramba kuti mwana aroorwe vachiti achiri mudiki.Hurwere hauna kupera kusvikira pamba pazodeedzwa mubatsiri.Mubatsiri paakauya akati "munhu wese anga aripo pakaitwa ungano ngaauye pano".Pakataurwa izvi vabereki vemwana vakabva vatoti murume uya chete ndiye honzeri , asi mubatsiri akaudza amai vemwana airwara kuti "mupfungwa menyu izvozvi matobata muroyi venyu asi manje munhu vamuri kufungira haasiye , handisi kuda kunongedza munhu asi chokwadi chichabuda pachena chega".Mubatsiri akati "ndiri kuda mwanasikana asati aziwa murume, aende kunotora hari iri mumota mangu afambe achimwaya vanhu mvura".Kwakazonokumbirwa mwana wepanext door kuti aite zvinhu izvi, ndiye akazouya achimwaya mvura kuvanhu.Vanhu vakamwaiwa , ambuya vaye ve97 years vachibva vamwaiwavo.Pavakamwaiva dhimoni rakabva rabuda , mbuya ndokutanga kufamba nedumbu.Zimbabwe mbuya havagare pamba apa , pavakauya vakapihwa room yekuti vange vachirara saka vaifamba nedumbu vakananga kuroom kuya ndokuudza vanhu kuti vatarise muDrum kuti munei.MuDrum maive nemhunga mbuya vakaudza vanhu kuti vatarise pasi pasi pemhunga kuti panei.Zimbabwe pasi pemhunga muDrum pakaonekwa pane hari yakavharwa , pazvakaonekwa pane hari mbuya vakabva vati "musabate hari iyoyo munokuvara , vanhu vakamboda kuita nharo vachiti ikasiiwa inozobviswa nani asi mbuya vaingoramba kuti hari ibatwe".Mbuya vaiti "ndotora hari yangu ndega", asi vanhu vaishaya vanoitora sei ivo vasingaone.Chinzwai manje zvakazoitika Zimbabwe, mbuya vakasimuka ndokunotora hari ndokusvipira mukati vachibva vapwanyira hari iya pasi , hari ichipwanyika mukati makabuda zvakashamisa vanhu.Zimbabwe mukati mehari makabuda .............. Semazuva ese second part ichaiswa kana munhu wese awerenga first part asiya reaction
Parikuda maReactions akawanda