Hi mukoma Ndundu .Ndinoda kubvunzawoo dare Kuti zviya zvekuti baby daddy vanokosheswa zvinoitwa nemasasko zvinoitawo here kwatiri maZimba .Nekuti kune mukadzi wandirikudanana naye anemwana wake Ini ndine wanguwo ndotoda kuroora but musi Uno chaiwo ndaenda Kumba kwake dzatove nguva dzemanheru ndakuda kutodzoka kwangu Kumba,pakabva papinda muchinda ainzi ndibaby dad achiti arikuda kunzwa nezvemwana nekuti mukadzi uyu achangobva kuzim.Ndaifunga Kuti achawoneka akakasira kuenda ndiwane kuenda kwangu but ndakatoona Kuti Shasha yauya yakataimira kurara apa mukadzi ainditi vakarambana zvonorwadza haadi kumuona but seyi azomutendera kuuya kuzorara,handina kutozodzokera kwangu bcoz Ini ndini ndirikudyiwa I find it useless kusiya munhu achirara odya futi chikafu chandatenga .Ogoona vakadzi kugangaridza gangaridza kana aripa situation yakadaro ndakazomubvunza Kuti ko Ava havasi kuenda here mhinduro yake handina kunyatsoinzwa Kuti aida kuzama kumuvhikira here kana kumudzinga.Muchinda uye atoona Kuti Ini handisikuenda ngatange kundiganzira achitaura zvakewo hanzi iwe ndiwe ungatobuda coz nyaya yangu nemukadzi ichiri papending ndirikuda Kuti adzoke kwandiri ararame hupenyu kwawo kwete zve two cents.Mukadzi otizve handidzokerane nerombe wakatadza kundichengeta husiku hwakapera tiripadare ndakamboda kuramwa ndideedze Uber husiku ihwohwo but zvimwe hazvidi chiramwa takarariswa tichidziiswa pramstove husiku hwose takagara ndichipopotedzana nemuchinda uye iye arara zvake achiridza ngonono dzekunyepa ,Ndakabhowekana ndalooser Mari yakawanda pamunhu uyu so handichazivi Kuti iye nababy dad vake varikurongei mukadzi arikuti hapana iripo murume uyu arikuda kumuvharira gap chete.Ndanga ndamuda hangu , but Dai akasvika ndisipo aitodhanda beans, kuseni va x hubby vakuda kunyepedzera kurara ndopandakavati chimukai muende kwachena kana muchida kunzwa zvemwana munofona idzo dzakuti kumukadzi urikunzwa Kuti chikomba chako chirikutii inini ndakunzi chikomba manje, mukadzi akazongo chooser inini kuseni kwacho baba vaye vakazongobuda vachipaumba hanzi pano ndodzoka pandodira Hakuna anondirambidza ndakazobudawo kutononoka kubasa ndamaker shuwa Kuti babamukuru vaenda ,apa kunonotswa kubasa,oti kuve ne long night oti zve kunhuhwira vanhu paraffin mutaxi yestove yatakarara tichidziiswa nemwana sikana ,anorooreka here uyu vehama kana Kuti achiri nekasoft spot panababamukuru ava?. Isa emoji rinoenderana